Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 88

Jesu Anosungwa

Jesu Anosungwa

Jesu nevaapostora vake vakafamba nemubani reKidroni vachienda kuGomo reMiorivhi. Paiva pakati peusiku uye kwaiva nejenaguru. Pavakasvika pabindu reGetsemane, Jesu akati kwavari: “Garai pano murambe makarinda.” Jesu akaenda nechekumberi mubindu racho, achibva apfugama. Achishungurudzika chaizvo, akanyengetera kuna Jehovha achiti: ‘Kuda kwenyu ngakuitwe.’ Jehovha akabva atumira ngirozi kuti imusimbise. Jesu paakadzokera kwaiva nevaapostora, akawana vakarara. Akati: ‘Mukai! Ino haisi nguva yekurara! Nguva yekuti nditorwe nevavengi vangu yasvika.’

Pasina nguva, Judhasi akabva asvika achitungamirira mhomho yevanhu vaiva nemapakatwa netsvimbo. Aiziva kwavaizowana Jesu nekuti vaimboenda vese kubindu racho. Judhasi akanga audza masoja kuti aizovaratidza kuti Jesu wacho ndeupi. Akabva aenda kwaiva naJesu ndokuti: ‘Kwaziwai, Mudzidzisi,’ uye akabva amutsvoda. Jesu akati: ‘Judhasi, uri kunditsvoda kuti unditengese here?’

Jesu akabva amira pamberi pemhomho yacho akabvunza kuti: “Muri kutsvaga ani?” Ivo vakati: “Jesu wekuNazareta.” Jesu akabva ati: “Ndini,” uye varume vacho vakabva vasudurukira kumashure vakabva vawira pasi. Jesu akabva abvunzazve mhomho iya kuti: “Muri kutsvaga ani?” Ivo vakatizve: “Jesu wekuNazareta.” Jesu akati: ‘Ndakuudzai kuti ndini. Regai varume ava vaende.’

Petro paakaona zvakanga zvichiitika, akatora bakatwa achibva adambura nzeve yaMakosi uyo aiva muranda wemupristi mukuru. Asi Jesu akabata nzeve yemurume wacho akamurapa. Akabva ati kuna Petro: ‘Dzorera bakatwa rako. Kana ukashandisa bakatwa pakurwa, uchaurayiwa nebakatwa.’ Masoja akabata Jesu nechisimba ndokumusunga maoko, uye vaapostora vakabva vatiza. Mhomho yacho yakaenda naJesu kuna Anasi, uyo aiva mukuru wevapristi. Anasi akabvunzurudza Jesu ndokubva amuendesa kumba kweMupristi Mukuru Kayafasi. Asi chii chakaitika kuvaapostora?

“Muchasangana nematambudziko munyika, asi shingai! Ini ndakunda nyika.”​—Johani 16:33