Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 4

Hasha Dzakaita Kuti Apedzisire Auraya

Hasha Dzakaita Kuti Apedzisire Auraya

Adhamu naEvha pavakanga vabuda mumunda weEdheni, vakava nevana vakawanda. Mwanakomana wavo wekutanga, Kaini, akava murimi, uye mwanakomana wavo wechipiri, Abheri, akava mufudzi wemakwai.

Rimwe zuva Kaini naAbheri vakaenda nezvinopiwa kuna Jehovha. Unoziva here kuti chii chinonzi chinopiwa? Chinopiwa, chipo chakakosha chaizvo. Jehovha akafadzwa nechinopiwa chaAbheri, asi haana kufadzwa nechaKaini. Izvozvo zvakaita kuti Kaini atsamwe chaizvo. Jehovha akanyevera Kaini kuti hasha dzake dzaizogona kuita kuti aite zvakaipa. Asi Kaini haana kuteerera.

Pane kuti ateerere Jehovha, Kaini akati kuna Abheri: ‘Handei kusango.’ Pavakanga vari vega kusango, Kaini akarova munin’ina wake akamuuraya. Jehovha aizoita sei nazvo? Jehovha akaranga Kaini nekumudzinga kuti aende kure nemhuri yavo. Kaini akanga asingachabvumidzwi kuti adzoke zvakare.

Pane zvatinodzidzawo here? Tinogona kutanga kunzwa hasha kana zvinhu zvikaitika nenzira yatanga tisingafungiri. Kana izvozvo zvikaitika​—kana kuti tikatsiurwa nevamwe vanhu pavanoona kuti tava kutanga kuva nehasha—​tinofanira kukurumidza kudzora hasha dzedu.

Jehovha acharamba achiyeuka Abheri nekuti aiita zvakanaka uye aida Jehovha. Mwari paachaita kuti nyika ive paradhiso, achamutsawo Abheri.

“Tanga wayanana nehama yako, wozodzoka wopa chipo chako.”​—Mateu 5:24