Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 35

Hana Anonyengetera Kuti Apiwe Mwanakomana

Hana Anonyengetera Kuti Apiwe Mwanakomana

Mumwe muIsraeri ainzi Erikana aiva nemadzimai maviri, Hana naPenina, asi ainyanya kuda Hana. Penina aiva nevana vakawanda saka aigara achitsvinyira Hana nekuti ainge asina mwana. Gore negore, Erikana aienda nemhuri yake kuti vanonamata kutebhenekeri yaiva kuShiro. Rimwe zuva pavakanga vari ikoko, Erikana akaona kuti mudzimai wake waaida chaizvo Hana ainge asiri kufara. Akati kwaari: ‘Usachema kani Hana. Inga wani ndiripo. Ndinokuda.’

Pava paya, Hana akaenda ari ega kunonyengetera. Aingoramba achichema sezvaaikumbira kuti Jehovha amubatsire. Akavimbisa kuti: ‘Jehovha, kana mukandipa mwanakomana, ndichamupa kwamuri, uye achakushumirai kweupenyu hwake hwese.’

Mupristi Mukuru ainzi Eri akaona Hana achipfikura uye akabva afunga kuti akanga akadhakwa. Hana akamupindura achiti: ‘Aiwa, ishe wangu, handina kudhakwa. Ndine dambudziko rakakura chaizvo uye ndiri kuudza Jehovha nezvaro.’ Eri akabva aona kuti ainge amufungira zvisiri izvo, saka akati kuna Hana: ‘Dai Mwari akakupa zvauri kuda.’ Hana akatanga kunzwa zviri nani uye akabva aenda hake. Gore risati rapera, Hana akava nemwanakomana uye akamupa zita rekuti Samueri. Chimbofungidzira kufara kwakaita Hana!

Hana haana kukanganwa vimbiso yaakanga aita kuna Jehovha. Paakangorumura Samueri, Hana akabva amuendesa kutebhenekeri kuti anoshanda ikoko. Hana akaudza Eri kuti: ‘Uyu ndiye mukomana wandakanyengetera ndichikumbira. Ndamupa kuti ashandire Jehovha kweupenyu hwake hwese.’ Gore negore, Erikana naHana vaienda kunoona Samueri uye vaimuendesera jasi idzva risina maoko. Jehovha akazopa Hana vamwe vanakomana vatatu nevanasikana vaviri.

“Rambai muchikumbira, uye muchapiwa; rambai muchitsvaka, uye muchawana”​—Mateu 7:7