Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kusuma Chikamu 2

Kusuma Chikamu 2

Nei Jehovha akaparadza nyika yepanguva iyoyo achishandisa mafashamo? Kubvira pakutangatanga penhoroondo yevanhu, hondo yakavapo—hondo pakati pezvakaipa nezvakanaka. Vamwe vanhu vakadai saAdhamu, Evha nemwanakomana wavo Kaini vakasarudza kuita zvakaipa. Vashomanana vakadai saAbheri naNoa ndivo vakasarudza kuita zvakanaka. Vanhu vakawanda vaiita zvakaipa chaizvo zvekuti Jehovha akabva aparadza nyika iyoyo yakanga yakaipa. Chikamu chino chichatibatsira kuziva kuti Jehovha anoona zvatinosarudza kuita uye kuti haazombobvumiri kuti zvakaipa zvikunde zvakanaka.

ZVIRI MUCHIKAMU CHINO

CHIDZIDZO 3

Adhamu naEvha Havana Kuteerera Mwari

Mumwe muti waiva mumunda weEdheni wakanga wakasiyana papi nemimwe yese? Nei Evha akadya michero yemuti iwoyo?

CHIDZIDZO 4

Hasha Dzakaita Kuti Apedzisire Auraya

Mwari akagamuchira chinopiwa chaAbheri kwete chaKaini. Kaini paakazviona akabva atsamwa chaizvo akabva aita chinhu chakaipa zvikuru.

CHIDZIDZO 5

Areka yaNoa

Ngirozi dzakaipa padzakaroora madzimai panyika, dzakava nevanakomana vaiva hofori. Kurwisana kwakanga kwakazara. Asi Noa aida uye aiteerera Jehovha.

CHIDZIDZO 6

Vanhu 8 Ndivo Vakapona

PaMafashamo, mvura yakanaya kwemazuva 40 neusiku 40. Noa pamwe chete nemhuri yake vakatora rinopfuura gore vari muareka. Pakupedzisira vakazobuda.