Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 27

Vakapandukira Jehovha

Vakapandukira Jehovha

Papfuura nguva yakati, vaIsraeri pavakanga vachiri murenje, Kora, Dhatani naAbhiramu nevamwewo vanhu 250, vakapandukira Mozisi naAroni. Vakati kwavari: ‘Taneta nemi! Nei iwe uchifanira kuva mutungamiriri wedu uye Aroni ari mupristi mukuru? Jehovha anesuwo, haasingori newe naAroni chete.’ Jehovha haana kufara nazvo. Akazviona kuti vanhu ava vakanga vachipandukira iye!

Mozisi akaudza Kora nevatsigiri vake kuti: ‘Huyai kutebhenekeri mangwana, uye muuye nemidziyo yekuisira moto yakazadzwa nerusenzi. Jehovha achatiratidza kuti ndiani waakasarudza.’

Mangwana acho, Kora nevarume vaya 250 vakaenda kunosangana naMozisi kutebhenekeri. Vari ikoko vakapisa rusenzi, basa raifanira kungoitwa nevapristi chete. Jehovha akaudza Mozisi naAroni kuti: ‘Zviparadzanisei kubva kuna Kora nevatsigiri vake.’

Kora paakaenda kwaiva naMozisi kutebhenekeri, Dhatani naAbhiramu pamwe nemhuri dzavo vakaramba kuenda. Jehovha akaudza vaIsraeri kuti vabve pedyo nematende aKora, Dhatani naAbhiramu. Pakarepo, vaIsraeri vakabva vasuduruka. Dhatani naAbhiramu nemhuri dzavo vakamira kunze kwematende avo. Ipapo pasi pakabva pavhurika pakavamedza! Kutebhenekeri, moto wakaburuka kubva kudenga ukapisa Kora nevarume 250 vaimutsigira.

Jehovha akabva audza Mozisi kuti: ‘Tora tsvimbo kubva kumukuru wedzinza rimwe nerimwe, wonyora zita rake pairi. Asi patsvimbo yedzinza raRevhi, nyora zita raAroni. Tora tsvimbo dzacho udziise mukati metebhenekeri, uye tsvimbo yemunhu wandichasarudza ichamera maruva.’

Zuva rakatevera racho, Mozisi akatora tsvimbo dzese akadziratidza kuvakuru vemadzinza. Tsvimbo yaAroni yakanga iri kumera maruva nemaarumondi akaibva. Izvi zvakaratidza kuti Jehovha akanga asarudza Aroni kuti ave mupristi mukuru.

“Teererai vaya vari kukutungamirirai, uye zviisei pasi pavo.”​—VaHebheru 13:17