Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 13

Jakobho naIsau Vanotangazve Kuwirirana

Jakobho naIsau Vanotangazve Kuwirirana

Jehovha akavimbisa Jakobho kuti aizomudzivirira sezvaakaitawo Abrahamu naIsaka. Jakobho akanogara kunzvimbo yainzi Harani, achibva aroora ikoko, uye akava nemhuri yakakura nepfuma yakawanda.

Jehovha akazoudza Jakobho kuti: ‘Dzokera kunyika yako.’ Saka Jakobho nemhuri yake vakabva vatanga rwendo rwakareba rwekudzokera kumusha kwavo. Vari munzira, vashandi vaJakobho vakauya kwaari vakati: ‘Isau mukoma wako ari kuuya aine varume 400!’ Jakobho akatanga kutya kuti pamwe Isau aida kuvarwisa. Jakobho akabva anyengetera kuna Jehovha achiti: ‘Ndinokumbirawo kuti mundiponese kuti ndisarwiswa nemukoma wangu.’ Zuva rakazotevera racho, Jakobho akatumira Isau chipo chezvipfuwo zvakawanda zvaiti, makwai, mbudzi, mombe, ngamera nemadhongi.

Usiku hwacho Jakobho paakanga ari ega, akaona ngirozi! Ngirozi yacho yakabva yatanga kurwisana naye. Vakakikiritsana kusvikira mangwana acho makuseni. Kunyange zvazvo Jakobho akanga akuvara, akaramba achishingirira. Ngirozi yacho yakati: ‘Ndisiye ndiende.’ Asi Jakobho akati: ‘Aiwa, handisi kuzokusiyai kusvikira mandikomborera.’

Ngirozi yacho yakazokomborera Jakobho. Ipapo Jakobho akabva aziva kuti Jehovha aisazorega Isau achimukuvadza.

Mangwanani iwayo Jakobho akaona Isau nevarume 400 vari nechekure. Jakobho akatungamira, mhuri yake ichitevera kumashure, akabva akotama pamberi pemukoma wake ka7. Isau akamhanya kuna Jakobho akabva amumbundira. Vese vari vaviri vakabva vatanga kuchema ndokubva vakumbirana ruregerero. Unofunga kuti Jehovha akanzwa sei nezvakaitwa naJakobho pakugadzirisa nyaya yacho?

Pava paya, Isau akadzokera kumba kwake, uye Jakobho akabva aenderera mberi nerwendo rwake. Jakobho aiva nevanakomana 12. Mazita avo aiva Rubheni, Simiyoni, Revhi, Judha, Dhani, Naftari, Gadhi, Asheri, Isakari, Zebhuruni, Josefa, naBhenjamini. Mumwe wevanakomana ava—Josefa—ndiye akashandiswa naJehovha kuti aponese vanhu vaMwari. Unoziva here kuti akavaponesa sei? Ngationei.

“Rambai muchida vavengi venyu uye muchinyengeterera vaya vanokutambudzai, kuti muve vanakomana vaBaba venyu vari kumatenga.”​—Mateu 5:44, 45