Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 103

“Umambo Hwenyu Ngahuuye”

“Umambo Hwenyu Ngahuuye”

Jehovha akavimbisa kuti: ‘Hakuchazovi nekuchema, kurwadziwa, kurwara, kana kufa. Ndichapukuta misodzi yese pamaziso avo. Zvinhu zvese zvakaipa hazvizoyeukwi.’

Jehovha akaisa Adhamu naEvha mubindu reEdheni kuti vararame vachifara uye vaine rugare. Vaifanira kunamata Baba vavo vekudenga Jehovha uye kuzadza nyika nevana vavo. Adhamu naEvha havana kuteerera Jehovha, asi izvozvo hazvina kuchinja chinangwa chake. Mubhuku rino taona kuti zvinhu zvese zvinovimbiswa naMwari zvinoitika. Umambo hwake huchaunza makomborero akanaka panyika, sezvaakavimbisa Abrahamu.

Munguva pfupi, Satani nemadhimoni ake nevanhu vese vakaipa vachange vasisipo. Munhu wese achanamata Jehovha. Hatizorwari kana kufa. Asi tichamuka zuva rega rega tiine simba uye tichifadzwa neupenyu. Nyika ichava paradhiso. Vanhu vese vachava nezvekudya zvakanaka uye pekugara pakanaka. Vanhu vachange vaine mutsa, vasina utsinye uye vasingarwisani. Mhuka dzemusango hadzizotyi vanhu, uyewo isu hatizodzityi.

Zvichange zvichinakidza chaizvo kuona Jehovha achimutsa vakafa. Tichagamuchira vanhu vakararama kare vakadai saAbheri, Noa, Abrahamu, Sara, Mozisi, Rute, Esteri naDhavhidhi. Tichabatsirana navo pakugadzira nyika kuti ive paradhiso. Pachava nebasa rekuita rakawanda rinonakidza.

Jehovha anoda kuti uvewo muParadhiso. Uchasvika pakumuziva nenzira dzausina kumbofunga nezvadzo. Zuva nezuva ngatirambei tichiswedera pedyo naJehovha, iye zvino uye nekusingaperi!

“Jehovha, Mwari wedu, makakodzera kuti mugamuchire kukudzwa nekuremekedzwa nesimba, nekuti makasika zvinhu zvese.”​—Zvakazarurwa 4:11