Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 99

Murindi Wejeri Anodzidza Chokwadi

Murindi Wejeri Anodzidza Chokwadi

KuFiripi kwaiva nemumwe murandasikana aiva nedhimoni. Dhimoni racho raiita kuti musikana iyeye afembere, uye awanise vanatenzi vake mari yakawanda. Pauro naSirasi pavakaenda kuFiripi, musikana wacho akaita mazuva akawanda achivatevera. Dhimoni racho raiita kuti ashevedzere kuti: “Varume ava varanda vaMwari Wekumusorosoro.” Pauro akazoudza dhimoni racho kuti: ‘Muzita raJesu, buda maari!’ Dhimoni racho rakabva rabuda.

Vanatenzi vemusikana wacho pavakaona kuti vakanga vasingachawani mari kubva kwaari, vakatsamwa chaizvo. Vakazvuzvurudza Pauro naSirasi vakavaendesa kuvatongi vedzimhosva, vachiti: ‘Varume ava vari kutyora mutemo uye vari kukanganisa guta rese!’ Vatongi vacho vakarayira kuti Pauro naSirasi varohwe uye vakandwe mujeri. Murindi wejeri akavakanda mukatikati mejeri, achibva avasunga mumatanda.

Pauro naSirasi vakaimba nziyo dzekurumbidza Jehovha uye vamwe vasungwa vakanga vakateerera. Pava pakati peusiku, kwakangoerekana kwava nekudengenyeka kwenyika kwakasimba, kukazunungusa jeri kubva kumusoro kusvika kuzasi. Masuo ejeri akabva avhurika uye zvisungo zvakanga zvakasunga vasungwa zvakasununguka. Murindi wacho akamhanya mukatikati mejeri uye akaona kuti madhoo akanga akavhurika. Achifunga kuti vasungwa vese vakanga vatiza, akatora bakatwa kuti azviuraye.

Ipapo, Pauro akashevedzera kuti: ‘Usazvikuvadza! Tese tiri muno!’ Murindi wejeri akabva amhanya mavaiva, ndokupfugama pamberi paPauro naSirasi. Akavabvunza kuti: “Ndingaitei kuti ndiponeswe?” Ivo vakati: ‘Iwe nemhuri yako munofanira kutenda muna Jesu.’ Pauro naSirasi vakabva vamudzidzisa shoko raJehovha, uye murindi weJeri nemhuri yake yese vakabhabhatidzwa.

“Vanhu vachakubatai, vokutambudzai, vachikuendesai kumasinagogi nekumajeri. Muchaendeswa pamberi pemadzimambo nemagavhuna pamusana pezita rangu. Izvi zvichaita kuti mupe uchapupu.”​—Ruka 21:12, 13